Job 12

Jobho

1Ipapo Jobho akapindura akati:

2“Zvirokwazvo imi muri vanhu,
uye uchenjeri huchafa nemi!
3Asi neniwo ndinonzwisisa semi;
handisi muduku kwamuri.
Ndianiko asingazivi zvinhu zvose izvi?

4“Ndava chiseko kushamwari dzangu,
kunyange ndakadana kuna Mwari akapindura,
ndava chiseko zvacho, kunyange ndakarurama uye ndisina chandingapomerwa!
5Varume vagere zvakanaka vanoshora nhamo,
vachiti ndiwo magumo avaya vane tsoka dzinotedzemuka.
6Matende amakororo haakanganiswe,
uye vaya vanotsamwisa Mwari vagere zvakanaka,
ivo vanotakura mwari wavo mumaoko avo.

7“Asi bvunza mhuka, uye dzichakudzidzisa,
kana shiri dzedenga, idzo dzichakuudza;
8kana taura kunyika, ichakudzidzisa,
kana hove dzegungwa ngadzikuzivise.
9Ndechipiko pane zvose izvi chisingazivi
kuti ruoko rwaJehovha rwakaita izvi?
10Upenyu hwezvisikwa zvose huri muruoko rwake,
nokufema kwavanhu vamarudzi ose.
11Ko, nzeve haiedzi mashoko
sorurimi runoravira chokudya here?
12Ko, uchenjeri hahuwanikwi pakati pavatana here?
Ko, kuwanda kwoupenyu hakuuyisi kunzwisisa here?

13“Uchenjeri nesimba ndezvaMwari;
kudzidzisa nokunzwisisa ndezvake.
14Zvaanenge akoromora hakuna anozvivakazve;
murume waanenge apfigira mujeri haangasunungurwi.
15Kana akadzivisa kunaya kwemvura, kuoma kunovapo;
kana akairegedzera, nyika inoparadzwa.
16Simba nokukunda ndezvake;
anonyengerwa nomunyengeri vose ndevake.
17Anodzinga makurukota asina nguo
uye anoita kuti vatongi vave mapenzi.
18Anobvisa zvisungo zvakaiswa namadzimambo
agosunga zviuno zvavo nomucheka.
19Anodzinga vaprista vasina nguo
uye anobvisa pachigaro vanhu vakanguri vadzika midzi.
20Anofumbira miromo yavapi vamazano vavanovimba navo,
uye anobvisa kunzwisisa kwavakuru.
21Anodurura kushorwa pamakurukota
uye anokutunura zvombo zvavane simba.
22Anobudisa pachena zvinhu zvakadzama zverima,
uye anouyisa mimvuri mikuru kuchiedza.
23Anoita kuti ndudzi dzive huru, uye anodziparadza;
anowanza ndudzi, uye anodziparadzira.
24Anotorera vatungamiri venyika kunzwisisa kwavo;
anovaendesa vachingodzungaira pasina nzira.
25Vanotsvanzvadzira murima vasina chiedza;
anoita kuti vadzedzereke sezvidhakwa.
Copyright information for SnaBDSC